Offline
https://public-rf-upload.minhawebradio.net/250607/slider/5925e3a30547c4e2e3d648bc4a5ed5d5.png
READ RHAPSODY Today's Devotional in Shona
By King Joe Kima
Published on 27/05/2025 05:31 • Updated 15/07/2025 06:54
Rhapsody of Realities

UPENYU HWAKE HUNOSHAMISA

Jesu akaitawo zvimwe zvinhu zvizhinji. Dai zvose zvainyorwa, kunyange nyika yose hayaizova nenzvimbo yaikwana mabhuku aizonyorwa (John 21:25).

Upenyu hwaJesu huzere neminana nezvishamiso zvisingaperi. Hwaive upenyu hunoshamisa, hwaitaridzwa nemabasa asingaverengeki esimba rohumwari nerudo. Bhaibheri rinotipa chidimbu cheupenyu hunoshamisa uhu.

Joni 20:30-31, somuenzaniso, inotiudza, “Jesu akaita zvimwe zviratidzo zvizhinji pamberi pavadzidzi vake, zvisina kunyorwa mubhuku iri. Asi izvi zvakanyorwa kuti mugotenda kuti Jesu ndiye Kristu, Mwanakomana waMwari, uye kuti kana mukatenda muve noupenyu muzita rake.” Chinangwa chezvishamiso zvakarekodwa chiri pachena: kukurudzira kutenda muna Jesu saKristu, Mwanakomana waMwari, uye nokuunza upenyu kune avo vanotenda muZita rake.

Asi, izvo zvatinoverenga muMagwaro chingori chidimbu cheizvo Jesu akazadzisa. Joni anoenderera mberi achitsanangura, “Jesu akaitawo zvimwe zvinhu zvizhinji.  Dai zvose zvainyorwa, ndinoti kunyange nyika yose hayaizova nenzvimbo yaikwana mabhuku aizonyorwa” (Joni 21:25). Mashoko aya anoratidza hunhu husina muganhu hwehushumiri hwake wehumwari. Shoko raMwati harireve nhema.

Hukuru hwesimba hwemabasa ake anoshamisa, zviratidzo, nezvishamiso zvakapfurikidza izvo zvinyorwa zvevanhu. Huvepo hwake panyika hwaitaridzwa nezvishamiso zvisingaverengeki, kupodza, zvidzidzo nezviratidzo zvesimba rohumwari hwaMwari. Upenyu hwaJesu hauenzaniswe, testimoni yehumwari hwake nechiratidzo chisina muganhu cherudo rwaMwari kuburikidza naye. 

MUNAMATO

Baba vanodiwa, ndinokutendai nokundiratidza upenyu hunoshamisa hwaJesu. Upenyu hwake panyika yaive testimoni yehumunhu hwehumwari hwenyu nesimba renyu. Ndinotenda humwari hwake uye ndinopemberera mabasa ake anoramba achikurudzira kutenda nokushandura upenyu kunyange nhasi, nokuti pachokwadi Iye mumwechete zuro, nhasi, uye nokusingaperi. Ndinofamba muchokwadi cheupenyu hwehumwari hwake, ndichiratidza kubwinya kwake nesimba rake nhasi, muZita raJesu. Ameni.

KUTSIGIRA CHIDZIDZO:

Mabasa 10:38; Mateo 4:23-25; Johani 20:30-31 AMPC

CHIRONGWA CHOKUVERENGA BHAIBERI PAGORE

Mabasa 23:12-35 & Jobho 40-42

CHIRONGWA CHOKUVERENGA BHAIBHERI MAKORE MAVIRI

Ruka 9:1-9 & Joshua 11

Comments
Comment sent successfully!